Genesisi 1:26-27
Genesisi 1:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.” Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
Genesisi 1:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
Genesisi 1:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.
Genesisi 1:26-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akati: Ŋgatiite munhu nomufananidzo weɗu, akafanana nesu; ŋgaaʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro penyika yose, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. Mŋari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMŋari; akaʋasika murume nomukadzi.
Genesisi 1:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.